TSAMBA YECHIPIRI

YAJOHWANI

2 John

Kwaziso

1Mukuru kuna amai vakasanangurwa nekuvana vavo, ini vandinoda muchokwadi, uye kwete ini ndega, asiwo vese vakaziva chokwadi, 2nekuda kwechokwadi chinogara matiri, uye chichava nesu nekusingaperi. 3Ngazvive nemwi nyasha, tsitsi, nerugare zvinobva kuna Mwari Baba, nekuna Ishe Jesu Kristu Mwanakomana waBaba, muchokwadi nerudo.

Fambai muchokwadi nerudo, muchenjere vadzidzisi venhema

4Ndinofara zvikuru kuti ndakawana kubva pavana vako vanofamba muchokwadi, sezvatakagamuchira murairo kuna Baba. 5Ikozvinowo ndinokukumbirisai, amai, kwete sendinokunyorerai murairo mutsva, asi uyo watakange tinawo kubva pakutanga, kuti tidanane. 6Zvino urwu ndirwo rudo, kuti tifambe zvinoenderana nemirairo yake. Uyu ndiwo murairo, sezvamakanzwa kubva pakutanga, kuti mufambe mauri. 7Nokuti vanyepedzeri vazhinji vakapinda munyika, vasingabvumi kuti Jesu Kristu wakauya panyama. Uyu ndiye munyepedzeri nemupikisi waKristu. 8Zvichenjererei pachenyu, kuti tirege kurasikirwa nezvinhu zvatakabatira, asi tigamuchire mubairo wakakwana. 9Ani nani anodarika uye asingagari mudzidziso yaKristu, haana Mwari; asi uyo anogara mudzidziso yaKristu, uyu ana Babawo uye Mwanakomana. 10Kana umwe achiuya kwamuri, asingauyi nedzidziso iyi, musamugamuchira mumba, kana kuti kwaari: Kwaziwai; 11nokuti anoti kwaari: Kwaziwai, anodyidzana nemabasa ake akaipa.

Kuwonekana

12Kunyange ndine zvinhu zvizhinji zvekunyora kwamuri, handina kuda kukunyorerai pabepa neingi; asi ndinotarisira kuuya kwamuri, uye kutaura muromo nemuromo, kuti mufaro wenyu uve wakazara. 13Vana vemunin'ina wenyu wakasanangurwa vanokukwazisai. Ameni.

Copyright information for Shona